Kwayedza
Abel Zhakata
MURAIRIDZI wepaMutare Polytechnic, uyo anonzi aiita katsika kekutengesa zvinodhaka kuDangamvura, maMutare imomo, akasungwa izvo zvakaita kuti pazowanikwa mabhodhoro 200 eBroncleer syrup inokosha US$1 442.
Mutauriri wemapurisa mudunhu reManicaland, Inspector Nobert Muzondo, vanotsinhira nezvekusungwa kwaNancy Tanyaradzwa Nyanzunda (51) wekuGimboki 2 nemumwe wake, Prosper Munamwe, wemunharaunda imwe chete iyi.
Vaviri ava vari kupomerwa kutyora mutemo unoona nezvekushandiswa kwemishonga Section 29 yeMedicines and Allied Substances Act Chapter 15:03.
Zvinonzi nemusi wa18 Gunyana, matikitivha ekuDangamvura Police Station vakanyeverwa kuti Munamwe akanga achitengesa Broncleer syrup pamba pake.
Nyanzunda ndiye anonzi akanga ari kuunza mushonga wechikosoro uyu.
Pamba paMunamwe nepaNyanzunda pakasechwa nematikitivha pakawanikwa paine mabhokisi akawanda ane Broncleer syrup.
“Nemusi wa18 Gunyana Nyanzunda naMunamwe vakasungwa vari padzimba dzavo nemhosva yekutengesa mishonga vasina marezinesi ekuita izvi. Vaviri ava vakawanikwa vaine 200 x 100mls dzeBroncleer syrup. Mushure mekunyeverwa, mapurisa akaenda kumba kwaMunamwe vakasecha vachibva vawana mabhokisi ane 56 x 100mls Broncleer ainge akaiswa muwadhiropu,” vanodaro Insp Muzondo.
Chikwata chematikitivha ichi chakaenda kumba kwaNyanzunda uko vakawana mabhokisi ane 150 x 100mls eBroncleer yainge yakavigwa mumba.
Paakabvunzwa, Nyanzunda akati mishonga iyi yaibva kunyika yeSouth Africa sepasuru iyo Munamwe aifanira kumutengesera.
“Vaviri ava vakaendeswa kuZRP Dangamvura Police Station uko vakanovhurirwa dhoketi rehusungwa,” vanodaro Insp Muzondo.