Zimbabwe
This article was added by the user . TheWorldNews is not responsible for the content of the platform.

Muporofita asungwa aine dehwe reshato

Kwayedza

Munyori weKwayedza

MAPURISA emuHarare nemusi weSvondo akasunga mumwe murume anozviti muporofita nemhosva yekuwanikwa aine dehwe reshato rakareba mamita matatu.

Murume uyu, uyo anongozivikanwa nekunzi Comrade Chinaka uye ane makore 43 okuberekwa, anonzi ange akaviga dehwe reshato pasi pemubhedha kuZengeza 3, kuChitungwiza.

Zvinonzi zvakaonekwa nemudzimai wemuporofita uyu apo airongedza midziyo yavo kuti vabve pamba apa mushure mekunge murume wake asungwa nemhosva yekumurova.

“Mapurisa emuHarare akasunga mumwe anozviti muporofita, Comrade Chinaka (43), nemhosva yekubatwa nedehwe reshato rinosvika mamita matatu kureba,” vanodaro mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commissioner Paul Nyathi.

“Dehwe reshato iri rakaonekwa pasi pemubhedha pamba pemusungwa uyu mumugwagwa Chipo, kuZengeza 3, nemusi wa24 Gunyana 2023, apo mudzimai wemusungwa airongedza zvinhu zvavo kuti vabude pamba apa zvichitevera kusungwa kwake nenyaya yekumurova. ”

Pasi pemutemo wenyika, imhosva munhu kuwanikwa ane dehwe reshato sezvo nyoka iyi iri imwe yemhuka dzinochengetedzwa dzakadai sehaka.