Zimbabwe
This article was added by the user . TheWorldNews is not responsible for the content of the platform.

Maporofita awandisa, vamwe imbavha: Madzibaba

Kwayedza

Munyori weKwayedza

MUPOROFITA wemuHarare anoti kuwanda kwaita maporofita munyika muno kwava kuita kuti vanhu vatadze kuziva musiyano wevechokwadi nevenhema sezvo vazhinji vari kubata basa iri pasina kutungamirirwa nemweya mutsvene.

VaCornwell Chiriseri, avo vanodaidzwa nezita rebasa rekuti Madzibaba Benjie vachitungamirira Johanne Masowe eChishanu kuSunningdale 3, vanoti pamakore gumi apfuura, huwandu hwemaporofita munyika huri kuwedzera.

Vanoti izvi zviri kukonzeresa kushoreka kwemabasa avanobata sezvo mamwe maporofita ari kuita zvisina huMwari mukati vachipara mhosva.

“Maporofita mazhinji ari kuvhura masowe, kunyanya munzvimbo dziri kupfuura neveruzhinji, senzira yekuteya vanhu vane matambudziko asi vazhinji vavo havasi kushanda vachitumwa nemweya waMwari. Vazhinji vacho vari kupedzisira vapara mhosva mukuita izvi uye vamwe havachazivikanwi kuti maporofita chaiwo here kana kuti kwete nekuti vari kusanganisa zvitendero.

“Kazhinji, kubata pachiporofita kunoda kufemerwa nemweya mutsvene uye kushanda uri pamweya,” vanodaro Madzibaba Benjie.

Vanoenderera mberi vachiti: “Mweya unouya nenzira dzakasiyana pakutanga kwazvo. Ini ndaiita kurotswa zvichitobva zvaitika kuburikidza nokubatsira munhu ane dambudziko rinenge rauya kuhope achitopora. Izvi zvakatanga kuitika ndichiri mudiki zvikakura zviri mandiri.”

Madzibaba Benjie vanokurudzira veruzhinji kuti vangwarire maporofita enhema uye kuti vari mubasa rekubatsira vanhu nezvemeya vazviite muchokwadi, pasina kushandisa nzira dzakaipa kana kubira vanhu.