Zimbabwe
This article was added by the user . TheWorldNews is not responsible for the content of the platform.

Nyamandi otevera pakafamba naMunhumumwe

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MUIMBI James Nyamandi (56), uyo akaita mukurumbira nezvikwata zvinosanganisira cheFour Brothers chaitungamirirwa nEmushakabvu Marshal Munhumumwe, ava kutevera pakafamba nemuimbi aiva nemukurumbira uyu.

Nyamandi pari zvino ari kugara kuHopley Zone 6, muguta reHarare, uye kumusha anobva kwaNyashanu, kuBuhera.

Anoti akaita nguva refu achiimba neThe Four Brothers kusvikira Munhumumwe azoshaika mugore ra2001.

“Ndakaridza nezvikwata zvakasiyana kusanganisira chaZex Manatsa, Daiton naJosphat Somanje kuPengaudzoke, New Dawn Groovers chekuBulawayo, Thomas Mapfumo, Oliver Mtukudzi naBruce Banda. Ndakamboita chikwata changu cheMakombe Brothers uko ndakazotorwa naMarshal Munhumumwe, ndicho chandava kumutsiridza izvozvi,” anodaro Nyamandi.

Anoti zvichitevera hukama hwake hwakasimba naMunhumumwe, rukuvhute rwake rwaiva kuchikwata cheThe Four Brothers nekudaro ari munzira yekumutsiridza mimhanzi yake.

Marshal Munhumumwe

“Zvekuimba ndakazvitanga kuma1980 ndokuzoumba chikwata changu cheMakombe Brothers ndikazochisiya apo ndakatsikisa madambarefu mapfumbamwe anoti Siyai Zvinodhaka, Nditarisei Midzimu Yangu, Huyai, Chikwambo Chinoparira, Masalads, Fiona, Mudyandigere naPfuma Yenhaka. Ndakazosiya chikwata changu ndava kuenda kuFour Brothers ndashevedzwa namukoma Marshal uko ndairidza zvose mbira nemagitare sezvandaingoita kune zvimwe zvikwata,” anodaro.

Nyamandi anoti mumazuva ekurwara kwaMunhumumwe, akatenge ava kuimba sezvo achiti mazwi avo aiva akangofanana.

“Ndinorwadziwa zvikuru nekurasikirwa kwatakaitwa naMarshal Munhumumwe uyewo nekuzoparara kwechikwata cheFour Brothers, nekudaro nekuda kwekuti chikwata changu cheMakombe Brothers chiripo, ndine nziyo izvozvi dzekumutsiridza nziyo dzaMarshal. Ndinoti kuvatsigiri veFour Brothers ndadzoka nemoto chaiwo.”

Nyamandi anoti kambo kaaida kudarika dzimwe panguva iyi kanonzi Rwendo Rwekudenga, ako akabva aimba pamberi pevatori venhau achiratidza kubatikana.

“Kunyarara kwese kwandakaita igadziriro, ndinoti ndadzoka muKirisimasi muno, chakabvondoka. Kunze kwekuimba, ndinogadzirawo mbira nemateze ndichitengesa,” anodaro.