Zimbabwe
This article was added by the user . TheWorldNews is not responsible for the content of the platform.

‘SDC vice chair’ amitisa mwana weForm 4

Kwayedza

Ray Bande

MUTEVEDZERI wasachigaro weSchool Development Committee (SDC) paNyanyadzi Secondary School kuChimanimani, Ronald Dziwande, anonzi akabhadhara US$500 kunze kwedare mushure mekushungurudza pabonde musikana ari kuita Form 4 pachikoro ichochi.

Bazi redzidzo yepuraimari nesekondari riri kuita ongororo maringe nenyaya iyi uye rakatoita musangano wekuti vange vachibvisa Dziwande pachigaro chaainacho ichi.

VaEdward Shumba, vanova Provincial Education Director mudunhu reManicaland, vanotsinhira nezvenyaya iyi vachiti vakatomirira magwaro azere.

“Ichokwadi, ndakaziviswa nezvenyaya iyoyo nevakuru vekudistrict saka ndakati vaite musangano nekuona kuti mupari wemhosva ambomiswa basa pamwe nekubviswa pachigaro chekuva mutevedzeri wasachigaro weSchool Development Committee.

“Tiri kushamiswa kwazvo nekushaya hunhu kuri muvanhu vanofanira kunge varipo mukuchengetedza vana,” vanodaro.

Regai dzive shiri

Vabereki munharaunda iyi vari kushushikana nenyaya dzerudzi urwu.

Mumwe muvakidzani wemwana uyu, uyo ane makore 17 okuberekwa, anotaura nezvenyaya iyi asi achida kusadurwa zita rake.

“Mwana uyu muvakidzani nemutevedzeri wasachigaro weSDC uyo akamumbunyikidza. Dziwande akarambana nevakadzi vanodarika vaviri saka zvinoratidza kuti akange ava kuda kuti azogarisana nemwana uyu achimutora semudzimai wake. Amai vemwana uyu ndivo vakatotanga kuziva nezvenyaya iyi mushure mekunge vatovabatikidza vose vakati Dziwande anotofanira kuroora mwana wavo. Zvisinei, Dziwande haana kutenderana nazvo uye vanhu vemunharaunda vakavaudza kuti imhosva kuroodza mwana ari pasi pemakore 18 ekuberekwa.

“Vakabva vapihwa US$500 yedhemeji uye dzimwe shamwari dzake dzikavimbisa kuzopa amai vemwana uyu imwe US$200. Havasati vapihwa mari iyi ndiko kusaka vasiri kuda kubatsira mukuitwa kweongororo yenyaya iyi,” anodaro mupi wemashoko uyu.

Pakateverwa amai vemwana ava nemunyori uno kuzvitoro uko vainzi ndiko kwavanotengesera chibage, vakanga vasiko.

Kuti vapewo mashoko avo panhare zvakaramba sezvo vakangotanga kupopotera munyori uno.

“Ndisiyei, handikuzivei uye ini hamundizive zvachose saka ndisiyei. Chingosiyai nyaya iyoyo tiigadzirise toga nokuti hainei nemi.

“Maivepi payakatanga nyaya iyi? Handina basa neongororo yamuri kuita,” vanodaro amai ava vachipopota, mushure mezvo ndokudzima nhare yavo.

Dziwande haana kukwanisa kubatika kuti apewo divi rake panyaya iyi.

Mugore ra2016, dare reConstitutional Court rakatura mutongo unorambidza kuroorwa kwevanasikana vari pasi pemakore 18 okuberekwa.