Zimbabwe
This article was added by the user . TheWorldNews is not responsible for the content of the platform.

Veruzhinji ngavawaniswe mashoko echokwadi’

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

GURUKOTA rezvekuburitswa kwemashoko, Dr Jenfan Muswere, vanoti kuwaniswa kwemashoko akakodzera kuruzhinji kwakakosha mubudiriro yenyika uye kunoita kuti pave nekuenzaniswa kwemikana pakati pevanhurume nevanhukadzi.

Vakataura mashoko aya neChina chino muguta reHarare vachiparura chirongwa cheInternational Day for Universal Access to Information (DUAI) chiri maringe nekukosha kwekusimbaradzwa kwekodzero yekuwaniswa kwemashoko kumapoka ese anosanganisira vatori venhau nevanhu vari munharaunda.

Zuva iri rinogarocherechedzwa nemusi wa28 Gunyana.

Sangano reMedia Information for Southern Africa rakabva ratorawo mukana uyu kuparura gwaro rekufambiswa kwemashoko kuri pajekerere (Transparency Assessment Report).

“Kuwaniswa kwemashoko kwakakosha mubudiriro yenyika nekuti kunoita kuti pave nekuenzaniswa kwemikana uye mazwi everuzhinji kuti ange achinzwikwa zvichiita kuti munyika muve nehutongi hwakasununguka.

“Kuwaniswa kwemashoko ikodzero yevanhu vose. Munguva ino yekufambiswa kwemashoko kuburikidza neruzivo rwechizvino-zvino, zvakakosha kuti veruzhinji vazive kufambiswa kwemashoko echokwadi kuti munyika muve nekugadzikana, zvekare imhosva kutumira mashoko emanyepo kana ezvinyadzi pamasai-sai. Kuwaniswa kwemashoko kunoita kuti zvinhu zvese zvive pajekerere zvichibvisa mweya wefungidziro unoderedza budiriro munyaya dzeupfumi nemabasa, pakati pezvimwe,” vanodaro.

Cde Muswere vanoti chikamu cheSection 61 ne62 chemutemo weFreedom of Information Act 2020 chinopa kodzero kumunhu wese kuti ange chiwaniswa mashoko kumapoka ese eHurumende.

Vachitaurawo pachitiko ichi, mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vanoti nguva nenguva vanosangana nedambudziko rekuedza kunhadzurudza mashoko emanyepo anenge ari kukushwa neveruzhinji, zvikuru padandemutande reSocial Media.

“Imhosva kungotumira mashoko aunenge usina umbowo nhawo nekuti mukutenderedzwa kwaanozoitwa anogona kukonzera kusagadzikana munyika (cyber crimes). Tinogaroona mashoko anotenderedzwa apo vamwe vanoisa shambadzo dzemabasa asipo asi ari makoronyera anenge achida kubira veruzhinji mari dzavo.

“Vamwe vanotumira mashoko nemifananidzo yezvinyadzi nezvimwe zvine chekuita nemhirizhonga zvisingatenderwi zvachose,” vanodaro.

Nigel Nyamutumbu anova murongi kusangano reMedia Alliance of Zimbabwe anoti vatori venhau vanofanirwa kubuditsa mashoko echokwadi kune veruzhinji sezvo vari vanhu vanovimbwa navo mukufambiswa kwemashoko.

Kuwaniswa kwemashoko ikodzero yevanhu vose sezviri mugwaro reArticle 19 of the Universal Declaration of Human Right n Article 21 of the United Nations Convention of the Right of Persons with Disabilities (UNCRP).